isu sevapositori INSURANCE POLICY yedu irimuizwi sekuti mararamiro edu ese anofanira kunge akaporofitwa. kuuya kwedambudziko rembavha nezvirwere zvingarozve pfuma zvinofanira kuonekwa nevaporofiti votipa yambiro neminamato
asi nekuti hatisati taenzana nezvido zvemunamato sevatendi takafanirawo kuve nehurongwa hunotibatsira pachedu. Vane pfuma zhinji vanorarama vaine magweta avo, mabhanga avo nemadhokotera avo. Isu mukushanda pamwechete tofanira kusimudzira zvirongwa kuzvikamu zvatakasunungurwa nezwi kuti tiite mibato yedu yemaoko. zvinosanganisira maBank, microfinance nemaConsultants ezvemibatoyemaoko. Association yevapositori mukusimuka kwayo ichave neMicrofinance yevatendi inozoonawo nezvekutambanudzira vanenge vawirwa nedambudziko. parizvino vakasununguka zvavo kubatsira mutendi anenge awirwawo nedambudziko ngavasunungukewo mwari anotiropafadza
chinonzi nyika nhasi iSocial Security, kuchengetedzwa kwenyika nezviwanikwa zvayo. ndizvo nyika iine masoja nemapurisa, asi zvese izvi kufamba kwazvo zvinosiudzwa nesocial security yatinoti NSSA muno munyika. mari dzevanoshanda vese dzinobatwa mari iyi ichizovachengetedza pamudya ndigere musure mekunge vasisakwanise kushanda, varemara kana kuti vafa mhuri inosara yakachengetwa. zvino rimwe nerimwe rudzi rwune hurungwa hwayo. kuAmerica ndizvo zvakabata hupfumi hwavo. 2008 pakaita depression yakanzwika nekuno kuZimbabwe yakange iri nyaya yekuti mabhanga aipa zvikwereti nemari dzepasi vanhu vachivaka dzimba asi hazvina kuzodzosa mari iya mabhanga akadonha zvese nemaInsurance company acho zvakazopa kuti nyika yavo ivanunure. mibato yemaoko ndiyo inounza mari munyika kwete rent. zvigadzirwa zvinotengeswa kunedzimwe nyika zvinounza pfuma muno ichiungana. nyika yakangwara inounganidza pfuma munguva yemagutwa ichizorarama mukuoma. makore manomwe emagutwa nemakore manomwe enzara sekunaJosefa. makaronda nyaya muchaona kuti ndizvo zvakavambisa munaAbhurahama, Isaka naYakope. chimiro ichocho chimwe chete nekumweya. ndatenda muve nezuva rakanaka.