Vapositori vakanzi vasakurukura zvemabusiness pamasowe nekuti haisi nhandare yacho. Asi zvakanzi munokurukura kumisha yenyu
Zvatakananata neChishanu chapfuura muporofiti waiti waratidzwa murume akapfeka nguwo yeGreen akasvika pandaza akatora nhanho nhatu achiratidza kuti akwira pakakwirira.
Zvanzi murume uyu akange achiona nhivi dzese ndobva aimba kuimba achiti zvinhu zvese zvepanyika zvichapfuura kuchasara zuva reropa 🎶
Zvanzi awonekwa achiisa vapositori mumitsara, vaporofiti pavo, varoti nevaratidzwi pavo achidaro
Zvakanzi nezwi kunaya mvura hongu yanaya muimba munyika zvekuti dzimwe nzvimbo dzichakohwa asi mamwe matunhu azoonekwa aomerwa kwaita nzara
Zvakanzi ndaona maBoarder azarirwa nechimiro ichi. Zvazopa kuti vanoita zvekutengesa vaomerwe.
Muporofiti akabvunza kuti guta guru muZimbabwe rinonzi chii zvikanzi Harare, muporofiti akato ndaona mamwe marudzi auya munyika vazarura mabusiness ekuhodhesa muHarare mave ndimo munoendwa kunohodha zvinhu zvizhinji. Zvikanzi ndaona kwauya vanhu kubva kuBanglabesh neChina vagadzira matende muno.
Zvikanzi izvi zvichaita kuti vanorarama nekutenga nekutengesa vazoti kesari ari nani vazosiya zuva rekunamata
Zvino Baba Johani akati vatendi tirarame nemubato wemaoko saka nyika ikuda kuchemerwa nemunamato
Vapositori varikukurudzirwa kuti vasakoshesa kuendesa vana kuzvikoro. Zvakakosha kuti vakwanise kukwanisa kuverenga nekunyora mari asi vabereki vasazopedzera pfuma kuenda kuzvikoro zvepamusoro zvakanyanya. Zvakakosha kuti vadzidzise vana vavo kuveza, kuvaka, kugadzira motokari nemidziyo ndizvo zvichavararamisa.
Muporofiti akati ndaona kuoma kwaita nyika kwaita kuti vanhu vapinde mabato ezvematongerwo enyika akawanda asi vapositori vakanzi vasapinda munaizvozvo.
Zvakanzi vapositori vasazobvuma kupiwa zvigaro uye vasazorarama nezvekuba kana kupemha
Zvakanzi nyika ino ichaponeswa nemuteuro ukushevedzera Murehwa, Negomo neDomboshava kuti vatungamire nyika pamunamato. Zvikanzi Zuva rechishanu ngarinamatwe sekuti ndiwo muti wakapfumvudzira unopamumvuri mukuoma kwenyika.
Vapositori vakanzi vasakurukura zvemabusiness pamasowe nekuti haisi nhandare yacho. Asi zvakanzi munokurukura kumisha yenyu